Friday, September 20

Zemo Rembwa Pahwahwa Akakumbira Bonde Amai Vake Zvese Nehanzvadzi Yake

Centenary-Ichokwadi kuti tsika dzikashaya anodzichengetedza rimwe zuva dzinogona kufuma dzisisipo zvachose apo Malven Kachepa(32)wekuCentenary akasvitsa shoko rerudo kuna amai wake vakamubereka achiti iye anoda kuvagara nhaka zvichitevera kufa kwababa wake makore maviri apfuura. Zvemashura aMalvern zvekuda kuroora amai wake zvakatanga iro svondo rakapera apo Malven akadhakwisa amai wake nedoro nemusi weSvondo ndokubva avakanda shoko rerudo.

 

 

 

Vadhakwa kudaro,Malvern akabva ati dzawira mutswanda ndokuronga kuda kuroora amai wake.Vakandwa shoko,Amai vaMalvern havana kubvuma asi vakati vaizotaura nyaya yacho naMalvern mangwanani acho kwachena uye vasina kudhakwa nedoro.Zvino rungwanani-ngwanani rwezuva raitevera racho Malvern akanogogodza pagonhi remba inorarwa naamai wake ndokuti akange auya kuzopedzisa nyaya yake yazuro yekuda kuti amai wake vaite mukadzi wake.Vanzwa mashoko aya amai Malvern vakatya uye vakavhunduka asi vakazonodana mumwe sahwira wemhuri iyi kuti auye kuzonzwa nyaya yacho.”Zvandakaudzwa nemwana zvinoyera nokuti akanditi anoda kundiroora ndokubva ndazodana sahwira wedu kuti anzwisise nyaya acho,” ava ndimai waMalvern vakataura mashoko aya.

 

 

 

Zvino pakasvika sahwira wacho pamba apa,Malvern akabva audza Sahwira uyu kuti iye anoda kugara nhaka mai wake nokuti baba wake vakafa.Sahwira wemhuri iyi haana kutambira pfungwa yemwanakomana uyu achiti zvinoera pamwe nekushura kuti mwanakomana aroore amai wake nokuti hazvifambirane netsika dzedu. Amai waMalvern pavakakandwa shoko rerudo vakadhakwa vaifunga kuti yakange iri nyaya yekutandarisa padoro asi vakazoona kuti ichokwadi apo mwana uyu akamukira kuvagogodzera gonhi achida kunzwa mhinduro izere maringe nenyaya yake.

 

 

 

Pfungwa dzemurume uyu dzakashata zvikuru nokuti hunhu hwake huri kuenderera mberi sesango riri kubvira moto nokuti munguva pfupi yadarika akambokandazve shoko rerudo kuhanzvadzi-sikana yake asi hazvina kubudirira nokuti hanzvadzi yake yakaramba kupinda murudo naye.”Malvern akamboda kudanana neni asi ndakaramba,” akadaro Stella Kachepa hanzvadzi yaMalvern. Kubva pakatanga mashura aya,Malvern akabva atiza pamba nenyaya yekunyara uye ari kufungidzirwa kuti anogona akugara munzvimbo yeMvurwi uko kune shamwari yake.Pfungwa yekuda kutaura naMalvern kuti tinzwe zvizere maringe nenyaya yaari kupomerwa haina kubudirira sezvo akange asingadaire mbozhanhare yake.
Naizvozvo vanhu vazhinji kubva kunzvimbo yeCentinary vari kushora hunhu hwaMalvern uye vakurudzira amai wake kuti vagare vakangwarira nokuti vanogona kubatwa chibharo kana ipi zvayo nguva.Vamwe ndovari kuti murume uyu anofanirwa kunoongororwa pfungwa dzake nokukasika dzisati dzaparara zvachose.”Uku kurwara kwakuita murume uyu,shuwa kuda kuroora amai wake!,”akadaro Denford Kadembo wekuCentenary.

  • Share: