Saturday, April 19

Zengeza Chitungwiza Chris pen Murara Ouraya Muroja Wake Tendai Nenguwo

MURUME wekuZengeza, kuChitungwiza anonzi akabatana nechikwata chevamwe vanhu vana (4) ndokurova muroja wake zvakaipisisa kusvikira afa nekuda kwenyaya yemari yerendi.Crispen Marara ari kutiza mushure mekupomerwa mhosva yekuponda muroja wake Tendai Nenguwo (38).

 

 

 

Zvinonzi munaNdira gore rino, Nenguwo akatora US$560 kubva kune mamwe maroja ese pamba pevabereki vaMarara iyo iri mumugwagwa Hanga Street kuZengeza 1 ndokuishandisa zvaaida.

Izvi hazvina kufadza Marara, uyo anonzi akazohaya vamwe varume vana ndokurova Nenguwo kakawanda muviri wose nedanda rebhurumu uye zvibhakera.

 

 

 

 

Akazoendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital akasvikopihwa mubhedha asi akazoshaya nomusi weSvondo wadarika.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira nyaya iyi uye vanokumbira veruzhinji kuti vabatsire mukupa mashoko anoita kuti Marara ange achisungwa.

 

 

 

 

“Mapurisa ari kuferefeta nyaya yekuponda munhu iyo yakaitika kuZengeza, mufi uyu Nenguwo aipomerwa mhosva yekushandisa mari yerendi yemamwe maroja iyo akatora zvisina bvumo uye  akashaya apo akasvikopihwa mubhedha muchipatara cheChitungwiza Central Hospital nemusi wa13 Kubvumbi,” vanodaro Insp Chakanza.

Hanzvadzi yemufi, Yvette Masango, anoti Nenguwo achavigwa kumusha kwavo kwaChihota nemusi weChina chino.

 

 

 

 

“Tarasikirwa nehama ine rudo. Mushure mekurohwa, aigara achichema-chema nekurwadziwa muchipfuva. Akandiudza kuti aizeza kunomhan’ara kumapurisa sezvo ari iye ane mhosva. Ainge akadzingwa pamba apa nenyaya yekusabhadhara rendi. Asiya vana vaviri uye mukuru ari Grade 7,”  anodaro Masango.

  • Share: