MURUME anozviti in'anga, Petros Chiropa (35), wemumusha waMatondo kwaChigodora, kwaMutare akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 54 mushure mekubatwa nemhosva yekuba US$20 100 yaAssistant Commissioner Florence Marume avo vanoshandira Zimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo.Pamusoro pekugara mujeri kwemwedzi 54, Chiropa akanzi adzosere Asst Comm Marume US$8 100, inova mari yakasara isina kuwanikwa pane yakabiwa.
Mutongi wedare reMutare Magistrates’ Court, Muzvare Annie Ndiraya, ndivo vakaita nyaya iyi uye muchuchisi ari VaTafadzwa Zulu.
Chiropa akawanikwa aine mhosva mbiri dzinoti yekuba midziyo yakachengetedzwa sekutsanangurwa kwazvinoitwa muchikamu cheSection 133 (2)(b) chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter
9:23 nekutyora Section 8 (1)(a)(b) ichiverengwa pamwechete neSection 8, part 6 yemutemo weMoney Laundering and Proceeds of Crime Act, Chapter 9:23.Mukutongwa kwenyaya iyi, Chiropa akatanga amboburitswa muhusungwa nekubhadhara mari yebhero apo akazoregedza kuuya kudare.
Akazosungwa zvakare, ndokuvharirwa mujeri nemhosva yekutyora zvitsidzo zvakange zvaita kuti apihwe bhero.
Chiropa haana kubvuma kuti akaba mari iyi asi akabatwa nemhosva nekuda kweumbowo hwaimuroverera.
Mukuramba mhosva iyi, Chiropa akati aiva n’anga ine mukurumbira.
Chiropa akaramba kuti akaba mari iyi achiti anongozivana naAsst Comm Marume nemushandi wavo wemumba, Precious Nyasha Manyawu, uyo akange anzi achengete mari iyi kuburikidza neimwe nhengo yechechi isina kudomwa nezita.Asst Comm Marume vanoti vakange vagara naManyawu semushandi wavo wemumba kwemakore masere pasina dambudziko.
Muzvare Ndiraya vanoti umbowo hwakapihwa mudare hunotaridza kuti Chiropa ndiye akafurira Manyawu kuti aba mari yemushandirwi wake.
Sezvineiwo, zvakabuda mudare redzimhosva iri kuti Manyawu aidanana naChiropa izvo zvakazoita kuti varangane zvekuba mari iyi.
Zvimwe zvakabuda mudare zvakafumura mashandisiro aiita Chiropa mari yakawanda, kusanganisira kutengwa zvisiri pamutemo kweToyota Runx, mibhedha miviri, mawadhiropu matatu, Plasma TV ye55 inch, solar panel ye250 watt nemimwe midziyo yemumba.Nekuda kwekuita kwake mukupara mhosva iyi, Manyawu akarangwa uye parizvino ari kugara mujeri reMutare Remand Prison.
Mutongo wake chaiwo hauna kukwanisa kuzivikanwa panguva yakaburitswa nyaya ino.
Mai Ndiraya pavakabvunzurudza Chiropa nezvebasa raanoita, akataura mashoko anopesana sezvo aive asina kutarisira mubvunzo uyu.
Chiropa akati kunze kwekuve n’anga, aive mutyairi werori uye muzvinhabhizimisi.
VaZulu vakaudza dare kuti Manyawu akachengeteswa mari iyi naAsst Comm Marume.Zvisinei, Assistant Commissioner Marume pavakakumbira mari iyi musi wa16 Zvita 2023, Manyawu akatadza kuiburitsa. Pakaitwa ongororo, zvikaonekwa kuti Chiropa akanga atora mari iyi ndokuishandisa, achibatsirwa naManyawu. Mari yose yakabiwa iUS$20 100 uye US$12 000 ndiyo yakawanikwa,” vanodaro VaZulu
Info News
Medicare Supplement Plans for Seniors
Medicare Supplement Plans: What Seniors Should Know
Original Medicare helps pay for healthcare, but it does not cover everything. Medicare supplement plans, also called Medigap plans, help pay some out-of-pocket costs such as deductibles, copayments, and coinsurance.
Many seniors compare Medicare supplement plans to reduce surprise medical bills and create more predictable healthcare costs.
How Medigap Works
Medigap plans work with Original Medicare. They are sold by private insurance companies and help cover gaps in Medicare coverage.
These plans are different from Medicare Advantage plans. Medicare Advantage is an alternative way to receive Medicare benefits, while Medigap supplements Original Medicare.
Choosing a Plan
When comparing plans, seniors should consider premiums, doctors, prescriptions, travel coverage, and expected medical needs.
Conclusion
Medicare supplement plans can help seniors manage healthcare costs. Before choosing a plan, compare coverage, pricing, and provider access.
Mass Tort Lawyer vs Class Action Lawyer: What Is The Difference?
Many people confuse mass torts and class actions. Both involve many people harmed by similar conduct, but they are not the same. A mass tort lawyer or class action lawyer can explain which type of case may apply.
rnrn
In a class action, many people are treated as one group. The claims are usually similar, and one case represents the class.
rnrn
In a mass tort, many people may be harmed by the same product or company, but each person’s injuries may be different. Cases may be handled individually while still being coordinated together.
rnrn
Mass torts often involve dangerous drugs, medical devices, toxic exposure, defective products, or environmental harm.
rnrn
Class actions may involve consumer fraud, data breaches, wage claims, or defective products where damages are similar.
rnrn
Choosing the right legal path matters. A lawyer can review your facts and explain whether your claim fits a class action, mass tort, or individual lawsuit.
rn