Friday, September 13

Mukadzi We MuHarare Wekuziva Osungwa Mushure Mekutyisa Vanhu Ne Kamba Tortoise Yehuroyi

MUDZIMAI wemuHarare akatora kamba mhenyu akaizora kombura tsvuku ndokuisunga nemucheka mutsvuku zvekare achida kutyisidzira aimbove mushandirwi wake kuti amubhadhare mari yake yepeyi iyo yakanga yava nenguva ndefu achiinyiwa.Sithembiso

 

 

 

 

Budzirikawa (58) aida kuti kambani yaaimboshandira yeCliff Security ibvume kuti kamba yaakauya nayo ine masimba ekutora mari kubva mukambani iyi.

Akamiswa pamberi pedare reHarare Migistrate’s Courts  achipomerwa mhosva yekubvisa kamba iyi kuGoromonzi zvisiri pamutemo.

 

 

 

 

 

Budzirikawa akashandira kambani yeCliff Security kubva munaKubvumbi kusvika Nyamavhuvhu gore rakapera ari murindi.

Akabvuma mhosva yake yekuva nekamba mhenyu zvisiri pamutemo paakamiswa pamberi pemutongi wedare iri,  Mai Ruth Moyo.

  • Share: