Friday, April 25

Mota Yanga Ichienda Kurufu Yoita Tsaona Vaivemo Vachibva Vafawo Zvinotyisa Zvinorwadza

LORRY YANGA ICHIENDA KURUFU YADONHA PAPELILENDABA

 

Pane lorry diki yabva kuTriangle ichienda kurufu kwava Jairai yadonha muZaka pamukwidza unonzi Pelilendaba kuma3 dzemangwanani anhasi. Vaona zvichiitika vanoti lorry yatadza kukakata ichiedza kukwidza mukwidza uyu ndokubva yadonha. Inonzi yanga yakatakura vanhu vangangosvika 40.

 

 

 

Zviri kunzi pane umwe mudzimai anogara kuSection 25 yeTriangle ashaikira panzvimbo uye kune vakawanda vakuvara zvakaipisisa. Vamwe vamhanyiswa kuenda kuchipatara cheColin Saunders uye vamwe cheMsiso. 

 

 

 

 

 

Vazhinji vevanhu vanga vachienda kunhamo vabva Mufakose Village, Section 2 uyeSection 25

Kana uine hama yako yanga yaenda kunhamo uku edza kutsvaka kuti yawana rubatsiro here.

 

 Source: Our Triangle

  • Share: