Saturday, February 08

Makore 20 vanasikana mapatya vakavharirwa mumba

VANASIKANA vemakore 44 ekuberekwa, avo vanova mapatya kana kuti manyambiri, vemumusha weKuwadzana 5 muguta reHarare vanonzi vapedza makore makumi maviri vachigara vakavharirwa mumba nababa vavo nekuda kwechikonzero chekuti vanorasika njere.“Kubva mugore ra2005

 

 

 

 

kusvika izvozvi, ndiwo magariro angu nevana ava apo tinogara tiri vatatu nemuroja mumwechete ane mhuri yake. Kubva vachirwara, handina kumbobvira ndakaenda navo kuchipatara nekushaya mari uyewo kudya chaiko handina zvakonzera vana vangu kuperezeka nekuwonda nekushaya chikafu,” vanodaro VaMbundire.

 

 

 

 

Vanoti mari yavanopihwa nemuroja wavo, US$110 haina chainokwana sezvo iriyo yavanoshandisa kubhadhara magetsi, mvura nezvimwe.

Vavakidzani vakataurwa navo vanoti VaMbundire vanogezesa vanasikana ava voga nekuvaendesa kuchimbuzi, izvo vakaramba.

“Vana ava havadi kugeza kana ukavati endai munogeza havadi vanogara netsvina yavo. Vanenge vakangorara mumba imomu, ndimo mandinovapira kudya umo vainoitira weti mumugomo netsvina. Vanozobuda kana voda zvavo apo neapo. Chokwadi ndingagezese vanasikana nekuvabvisa tsvina here? Ndinoguma ndasungwa nemapurisa,” vanodaro VaMbundire. Vanoti danho rekuvharira vana ava mumba vakawirirana nemwanakomana wavo, Phineas Mbundire, sezvo vakanga

 

 

 

 

vapererwa nekuda kwekutiza kwavaiita pamba.

Kune mamwe mashoko ekuti VaMbundire

  • Share: