Sunday, October 18

Gokwe Man Akadzura Mwoyo Wemunin’ina

MWEYA wengozi yemunhu anonzi akafa nekupondwa wakaburitsa pachena kuhama dzake kuti akauraiwa nemukoma wake uye mwoyo nechigunwe zvake zvikapihwa kune imwe n’anga kuti zvishandiswe nemushonga wekutsvaga kupfuma.

Manenji aya anonzi akaitika svondo rapera pagungano rechechi kwaSabhuku Manamike, kuGokwe, kudunhu reMidlands.

Mweya uyu wakataura panaWilliam Ngara uyo anonzi ndiye akaponda munin’ina wake, Andrew Ngara.

William anonzi haana kumbobvira awana rugare kubva muna2002 apo akaponda Andrew ari kunyika yeZambia ndokubvisa mwoyo nechigunwe chake izvo akapa kune n’anga yaive yamuudza kuti kana akadaro aizopfuma.

Muporofita Takawira

Nechinangwa chekuti apedze dambudziko remweya wemun’inina wake waimutambudza, William anonzi akazotsvaga rubatsiro kune muporofita anonzi Takawira.

Apo William aive pachechi achishandirwa padambudziko rake iri, mweya wemunin’ina wake unonzi wakabva wabuda ndokutanga kutaura kuti akamuuraya vari kuZambia.

Mushure mekunge mweya uyu waenda, William paakabvunzwa nezvenyaya iyi haana kuramba kuti akauraya munin’ina wake.

Vanhu vaive pachechi apa vakashamiswa zvikuru nechiitiko icho apo vamwe vaitodedera nekutya.

Muporofita Takawira akaudza William kuti akumbire ruregerero kuvabereki vake.

Sabhuku Manamike vakazoperekedza William kuenda kuna baba vake, VaThomas Ngara, kunokumbira ruregerero nekuda kwekuuraya kwaakaita munin’ina wake.

Mutauriri wemhuri yekwaNgara, VaJoseph Ngara, vakaudza Kwayedza kuti William akasvika pamba akatakura jongwe rehuku.

“Paiitwa hurukuro iyi, apo paive nababa vedu nevamwe vemumhuri, William akapupura kuti ndiye akauraya Andrew Ngara kuZambia mushure mekunge aenda kun’anga yakamuudza kuti kana akamuchekeresa aizowana upfumi nemombe dzakawanda. N’anga iyi yakamuudza kuti auye nemwoyo nechigunwe zvehama yake uye mushure mezvo aizova nemombe dzakawanda,” vanodaro VaJoseph Ngara.

Vanoenderera mberi vachiti, “Akakumbira ruregerero. Akakumbira zvakare baba vedu kuti vamuripise nekuda kwemhosva yaakapara iyi uye achipika kuti acharipa ngozi iyi. Asi baba vedu vakati anofanirwa kunotora marangwanda emushakabvu kuZambia uye mushure mezvo vozotaura pamusoro penyaya yekuda kwake kuripa ngozi yaakapara.”

Mambo Mkoka

VaJoseph Ngara vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epakamba yeManoti Police Station.

“Mapurisa akamubvunza (William) kuti atsanangure zvakaitika asi akatanga kundandama uye ndokuita semunhu abatwa nemweya achitaura kuti, ‘ndiregerereiwo ndokutanga kuumburuka pasi’.

“Mapurisa akatiudza kuti tidzokere kumba. Tichadzokera zvakare kana chirongwa chelockdown chapera uye tinovimba kuti tichawana rubatsiro rwekuti tikwanise kuenda kuZambia nekuti tinoda kuti nyaya iyi ipere,” vanodaro.

William haana kubatika panhare yake kuti apewo divi rake pamusoro penyaya iyi.

Mambo Mkoka vanotsinhira nyaya iyi vachiti, “Ndakatambira nyaya iri pamusoro paWilliam Ngara uyo anonzi akauraya munin’ina wake kuZambia ndokubvisa nhengo dzake dzemuviri. Mungataure here nemapurisa, vemhuri yake vakati nyaya iyi iye zvino yave mumaoko emapurisa.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Chief Inspector Joel Goko, sezvo nhare yavo yakange isingabatike.

  • Share:

Info News

Solar Energy Solutions in 2026: How to Save Money and Invest in Renewable Power

Introduction

rnrn

Solar energy is rapidly becoming one of the most popular renewable energy solutions. Homeowners and businesses searching for “solar panel installation” are often ready to invest in long-term savings.

rnrn
rn

How Solar Energy Works

rnrn

Solar panels convert sunlight into electricity using photovoltaic cells.

rnrn
rn

Benefits

rnrn
    rn
  • Lower electricity bills
  • rn
  • Environmental sustainability
  • rn
  • Government incentives
  • rn
rnrn
rn

Costs and ROI

rnrn

Initial investment can be high, but long-term savings offset costs.

rnrn
rn

Choosing a Solar Provider

rnrn

Look for certifications, warranties, and experience.

rnrn
rn

Future Trends

rnrn

Battery storage and smart grids.

rnrn
rn

FAQ

rnrn

Are solar panels worth it?
rnYes, especially with incentives.

rn

Commercial Truck Accident Lawsuit: What You Need to Know Before Filing

Filing a commercial truck accident lawsuit can be a critical step toward recovering damages after a serious crash. These lawsuits differ significantly from standard car accident claims because they often involve multiple defendants, including trucking companies, contractors, and manufacturers. Understanding the legal process is essential for building a strong case and avoiding costly mistakes.

rnrn

A truck collision attorney guides clients through every stage of litigation, from filing claims to negotiating settlements or going to trial. They ensure compliance with deadlines, gather key evidence, and develop a strategy tailored to the specifics of the case. With proper legal guidance, victims can improve their chances of obtaining fair compensation for injuries, property damage, and emotional distress.

rn